Moyo anoshora Bato reCCC nekusaronga Congiresi
Muzvinafundo Jonathan Moyo uyo akapotera kuKenya mushure mekutokonywa nemauto anoti hazvina kunaka kuti bato revo ruzhinji ripinde musarudzo risati raita congiresi yekusarudza vatumiri vatsva vebato iri.
Asi bato reCCC rinoti harisi kuzoita zviri kudiwa nevengi vebato iri.
Mutevedzeri wemutauri weCCC Cde Gift Ostellos Ziziba vanoti Zanu-pf yakanyangira yaona gore rino.
Vachiti Zanu-pf nevasori vakateya kukunzoresa kufambiswa kwebasa kana pakaitwa Congress ikozvino. Cde Siziba vanoti bato ravo harina zvinzvimbo zvisina vanhu nekudaro vachaenda kusarudzo pasina kuitwa Congiresi.
Bato reCCC iro rakaparugwa gore rino rinotarisigwa kurakasha Zanu-pf musarudzo dzegore rinouya.

Reblogged this on Muformu4 News.
LikeLike