Mapurisa Akasunga veZanu-PF Vanonzi Vakaponda VaMboneni Ncube Vobviswa kuKwekwe

Mushakabvu Mboneni Ncube

Mumiriri weMbizo mudare reparamende vari nhengo yeCCC VaSettlement Chikwinya vanoti matikitivha ange achiongoriora nyaya yekupondwa kwenhengo yebato ravo VaMboneni Ncube vakaendeswa kune mamwe matunhu mushure mekusunga vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vainge vachipomerwa mhosva yekuvaponda.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant commissioner Paul Nyathi kana mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo. Asi vaviri ava vanogara vachiti mapurisa haatarise kuti wabuda mumba maani.

Mapurisa akasunga vanhu gumi nevatanhatu vaipomerwa mhosva yekupinda VaNcube asi gumi nemumwe vakasungunurwa kukasara vashanu vanoti Edmore Shoshera, 30, Albert Maketo Tembo, 29, Percy Mukwaturi, 38, Talent Imbayago, 28, na Panashe Makuvaza.

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vaita musangano muKwekwe nhasi kunyangwe paine mashoko ekuti imwe nhengo yavo yakawohwa nezuro nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vaida kutyisidzira vanhu kuti vasaende kumusangano uyu.

Musangano wanhasi wange wakanangana nekutenda vatsigiri vebato iri nekurivhotera musarudzo dzemaby elections muna Kurume. Bato reCCC riri kutiwo kumhan’ara nyaya dzemhirizhonga kumapurisa kwave kunetsa sezvo naivo vave kutyisidzirwa nevakuru muhurumende nekuendeswa kune mamwe makamba vakaongorora nyaya idzi.

Source : Voa

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s